Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 15:9-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. VaFiristia vakakwira vakandodzika musasa wavo muJudha, vakapararira kusvika pedyo neRehi.

10. Varume veJudha vakavabvunza vakati, “Mauyireiko kuzorwa nesu?” Ivo vakati, “Tauya kuzotora Samusoni kuti ave musungwa, uye kuti tiite kwaari zvaakatiitira isu.”

11. Ipapo varume zviuru zvitatu vaibva kuJudha vakaburuka kubako reEtami vakandoti kuna Samusoni, “Ko, haunzwi here kuti vaFiristia vanotitonga? Chiiko chawatiitira?” Akapindura akati, “Ndakangovaitira zvavakandiitira.”

12. Ivo vakati kwaari, “Tauya kuzokusunga kuti tikuise kuvaFiristia.” Samusoni akati, “Pikai kwandiri kuti imi hamundiurayi pachenyu.”

13. Ivo vakati, “Hongu, isu tichangokusunga bedzi tigokuisa mumaoko avo. Hatikuurayi isu.” Saka vakamusunga namabote matsva maviri vakamutungamirira kuruware.

14. Akati aswedera kuRehi, vaFiristia vakauya kwaari vachidanidzira. Mweya waJehovha wakauya paari nesimba. Mabote akanga ari mumaoko ake akaita sorushinda, uye zvisungo zvikadonha mumaoko ake.

15. Akawana rushaya rutsva rwembongoro, akarubata akauraya varume chiuru.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 15