Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 14:4-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. (Vabereki vake vakanga vasingazivi kuti izvi zvakanga zvichibva kuna Jehovha, akanga achitsvaka mukana wokurwa navaFiristia; nokuti nenguva iyo ndivo vakanga vachitonga vaIsraeri.)

5. Samusoni akaburuka akaenda kuTimina pamwe chete nababa vake namai vake. Vakati vasvika kuminda yemizambiringa yeTimina, pakarepo shumba yakauya yakananga kwaari ichiomba.

6. Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba zvokuti akabvambura shumba napakati namaoko ake kunge anobvambura mbudzana.

7. Ipapo akaburuka akandotaura nomukadzi, uye aimuda.

8. Mushure menguva yakati kuti, paakadzokera kundomuona, akatsauka kundoona mutumbi weshumba. Mukati macho makanga mune bumha renyuchi nouchi,

9. akahubura namaoko ake akadya achifamba. Akati asvika kuvabereki vake akavapa humwe vakadyawo naivo. Asi haana kuvaudza kuti akanga atora uchi mumutumbi weshumba.

10. Zvino baba vake vakaburuka kundoona mukadzi uya. Uye Samusoni akaita mutambo ikoko, setsika yaiitwa nezvikomba.

11. Paakasvika, akapiwa shamwari makumi matatu.

12. Samusoni akati kwavari, “Regai ndikutaurirei chirahwe. Kana mukagona kuchidudzira mukati mamazuva manomwe omutambo, ini ndichakupai nguo dzomucheka dzinosvika makumi matatu nehanzu makumi matatu.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 14