Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 12:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Shure kwake, Ibhizani weBheterehema akatungamirira Israeri.

9. Akanga ana vanakomana makumi matatu uye vanasikana makumi matatu. Akawanisa vanasikana vake kuvanhu vakanga vasiri vorudzi rwake, uye akavigira vanakomana vake vanasikana vakanga vasiri vorudzi rwake makumi matatu kuti vave vakadzi vavo. Ibhizani akatungamirira Israeri kwamakore manomwe.

10. Ipapo Ibhizani akafa, uye akavigwa muBheterehema.

11. Shure kwake, Eroni muZebhuruni akatungamirira vaIsraeri kwamakore gumi.

12. Ipapo Eroni akafa, uye akavigwa muAijaroni munyika yaZebhuruni.

13. Shure kwake, Abhudhoni mwanakomana waHireri aibva kuPiratoni, akatungamirira Israeri.

14. Akanga ana vanakomana makumi mana uye vazukuru makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi manomwe. Iye akatungamirira vaIsraeri kwamakore masere.

15. Ipapo Abhudhoni mwanakomana waHireri akafa, uye akavigwa paPiratoni muEfuremu, munyika yezvikomo yavaAmareki.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 12