Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 11:10-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Vakuru veGireadhi vakapindura vakati, “Jehovha ndiye chapupu chedu; zvirokwazvo tichaita sezvaunoreva.”

11. Saka Jefuta akaenda navakuru veGireadhi, uye vanhu vakamuita mukuru wavo uye mutungamiri wehondo. Uye akadzokorora mashoko ake ose pamberi paJehovha muMizipa.

12. Ipapo Jefuta akatuma nhume kuna mambo wavaAmoni nomubvunzo wokuti, “Mhosva yamunayo nesu ndeyeiko zvamunorwisa nyika yedu?”

13. Mambo wavaAmoni akapindura nhume dzaJefuta achiti, “VaIsraeri pavakabuda muIjipiti, vakatora nyika yangu kubva kuArinoni kusvikira kuJabhoki, kwose nokuJorodhani. Zvino idzosei norugare.”

14. Jefuta akatumazve nhume kuna mambo wavaAmoni

15. achiti, “Zvanzi naJefuta: Israeri haina kutora nyika yeMoabhu kana nyika yavaAmoni.

16. Asi pavakabuda muIjipiti, Israeri yakaenda nomurenje kusvikira kuGungwa Dzvuku uye nokumusoro kuKadheshi.

17. Ipapo Israeri yakatuma nhume kuna mambo weEdhomu, achiti, ‘Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu,’ asi mambo weEdhomu akaramba kunzwa. Vakatumawo nhume kuna mambo weMoabhu, naiyewo akaramba. Saka vakagara paKadheshi.

18. “Shure kwaizvozvo vakafamba nomurenje, vachitenderera nyika dzeEdhomu neMoabhu, vakandodzika musasa kuno rumwe rutivi rweArinoni. Havana kupinda munyika yeMoabhu, nokuti Arinoni waiva muganhu wayo.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 11