Zvizvarwa zvatezvara vaMozisi, vaKeni, vakakwira vachibva kuGuta reMichindwe vaine varume veJudha kuti vandogara pakati pavanhu vokuGwenga reJudha riri kuNegevhi pedyo neAradhi.