Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 8:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.

5. Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje akazendamira pamudiwa wake?Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa; ipapo mai vako vakakubereka, ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka.

6. Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sorufu godo rarwo, seguva harishanduki. Runopisa serimi romoto, somurazvo mukuru kwazvo.

7. Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; nzizi hadzigoni kurukukura. Kunyange munhu akapa pfuma yose yemba yake kuti awane rudo, zvingazvidzwa chose.

8. Tine hanzvadzi yedu duku uye mazamu ake haasati akura. Tichaitireiko hanzvadzi yedu pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe?

9. Kana ari rusvingo, tichavaka shongwe dzesirivha paari. Kana ari musuo, tichamukomberedza namapuranga omusidhari.

10. Ndiri rusvingo, mazamu angu akaita seshongwe. Ndizvo zvandava pamberi pake, somunhu anouyisa kugutsikana.

11. Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni; akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira. Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawo aiuya namashekeri chiurua esirivha.

12. Asi munda wangu wemizambiringa ndowangu kuti ndiupe; Chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni, asi mazana mavirib ndeevanochengeta michero yawo.

13. Iwe unogara mumapindu unoshandirwa neshamwari, rega ndinzwe inzwi rako!

14. Handei mudiwa wangu, uite semhara kana setsvana pamusoro pamaakomo azere zvinonhuwira.

Verenga chitsauko zvakakwana Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 8