Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rute 1:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mumazuva okutonga kwavatongi munyika makaita nzara, uye mumwe murume aibva kuBheterehema Judha, pamwe chete nomukadzi wake navanakomana vake vaviri, akaenda kundogara munyika yeMoabhu kwechinguva.

2. Murume uyu ainzi Erimereki, mukadzi wake achinzi Naomi, uye mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni. Vaiva vaEfurata vaibva kuBheterehema Judha. Uye vakaenda kuMoabhu vakagarako.

3. Zvino Erimereki, murume waNaomi akafa, iye akasiyiwa aine vanakomana vake vaviri.

4. Vakawana vakadzi vechiMoabhu, zita romumwe rainzi Opa uye romumwe rainzi Rute. Mushure mokunge vagarako kwamakore anenge gumi,

5. vose vari vaviri, Maroni naKirioni vakafawo, Naomi akasiyiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake.

6. Naomi paakanga achiri muMoabhu, akanzwa kuti Jehovha akazoshanyira vanhu vake akavapa zvokudya, iye navaroora vake vakagadzirira kudzokera kumusha vachibva ikoko.

7. Akabva pamwe chete navaroora vake panzvimbo yavaigara vakasimuka vakaenda nenzira yaizovasvitsa kunyika yeJudha.

8. Zvino Naomi akati kuvaroora vake vaviri, “Chidzokerai henyu, mumwe nomumwe wenyu kuimba yamai vake. Jehovha ngaakuitirei tsitsi, sezvamakaitirawo vakafa venyu nokwandiri.

9. Jehovha ngaaite kuti mumwe nomumwe wenyu awane zororo mumba yomumwe murume.” Ipapo akavatsvoda uye vakachema zvikuru.

10. Zvino vakati kwaari, “Tichadzokera nemi kuvanhu vokwenyu.”

11. Asi Naomi akati kwavari, “Dzokerai, vana vangu. Mungadireiko kuenda neni? Ndichazova navamwe vanakomana, vangazova varume venyu here?

12. Dzokerai, vanasikana vangu; ini ndachembera kwazvo zvokuti handingavi nomumwe murume. Kunyange dai ndaifunga kuti ndichine tariro, kunyange ndaiva nomurume usiku huno ndikabereka vanakomana,

13. maizovamirira kusvikira vakura here? Mungazogara musina kuwanikwa nokuda kwavo here? Kwete, vanasikana vangu. Izvi zvandishungurudza kwazvo kupinda imi, nokuti ruoko rwaJehovha rwauya kuzorwisana neni!”

14. Nokuda kwaizvozvo, vakachema zvakare. Ipapo Opa akasvetana navamwene akaonekana navo, asi Rute akanamatirana navo.

Verenga chitsauko zvakakwana Rute 1