Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 5:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. “Kana munhu akadarika uye akatadza nokusaziva maererano nezvinhu zvose zvitsvene zvaJehovha, anofanira kuuya kuna Jehovha nomuripo wegondohwe risina kuremara, uye rine muripo unokwanirana nesirivha, maererano neshekeri repanzvimbo tsveneb. Ichi chipiriso chezvivi.

16. Anofanira kuripira zvaakatadza kuita maererano nezvinhu zvitsvene, agowedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu agopa zvose kumuprista, achamuyananisira negondohwe sechipiriso chemhosva, uye acharegererwa.

17. “Kana munhu akatadza uye akaita zvisingabvumirwi pamirayiro ipi zvayo yaJehovha, kunyange asingazvizivi, ane mhosva uye achava nemhaka.

18. Anofanira kuuya kumuprista nechipiriso chemhosva gondohwe risina kuremara uye rine muripo wakafanira. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pakukanganisa kwaakaita nokusaziva, uye acharegererwa.

19. Ichi chipiriso chezvivi, akabatwa nemhosva yaakapara kuna Jehovha.”

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 5