Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 24:7-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Pamutsetse mumwe nomumwe isai zvinonhuwira zvive chirangaridzo chinomirira chingwa uye zvive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.

8. Chingwa ichi chinofanira kuiswa pamberi paJehovha nguva dzose, Sabata neSabata zvakamirira vaIsraeri sesungano inogara nokusingaperi.

9. NdechaAroni navanakomana vake, vanofanira kuchidyira munzvimbo tsvene, nokuti ichi chikamu chitsvenetsvene chezvipiriso zvavo zvenguva dzose zvinoitirwa Jehovha nomoto.”

10. Zvino mwanakomana wavamwe mai vechiIsraeri uye baba vake vari vechiIjipita, akafamba pakati pavana vaIsraeri, uye mwanakomana womukadzi muIsraeri akarwa nomurume muIsraeri mumusasa.

11. Mwanakomana womukadzi muIsraeri akatuka Zita raJehovha nechituko; naizvozvo vakauya naye kuna Mozisi. (Zita ramai vake rainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri worudzi rwaDhani.)

12. Vakamuisa mutorongo kusvikira kuda kwaJehovha kwaiswa pachena kwavari.

13. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

14. “Tora mutuki uende naye kunze kwomusasa. Vose vakamunzwa vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake uye ungano yose inofanira kumutaka namabwe.

15. Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu upi zvake akatuka Mwari wake achava nemhosva;

16. ani naani anotuka zita raJehovha anofanira kuurayiwa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe. Kunyange ari mutorwa kana chizvarwa chenyu, akatuka Zita raJehovha anofanira kuurayiwa.

17. “ ‘Ani naani anouraya munhu, anofanira kuurayiwa.

18. Munhu wose anouraya chipfuwo chomumwe munhu anofanira kuchidzoredzera, upenyu hunotsiviwa noupenyu.

19. Kana munhu akakuvadza muvakidzani wake, zvose zvaaita zvinofanira kuitwa kwaari.

20. Kutyora kunotsiviwa nokutyora, ziso rinotsiviwa neziso, zino rinotsiviwa nezino. Sezvaakuvadza mumwe saka naiye anofanira kukuvadzwa.

21. Ani naani anouraya mhuka anofanira kudzoredzera asi ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa.

22. Munofanira kuva nomutemo mumwe chete pamutorwa napachizvarwa chemo. Ndini Jehovha Mwari wako.’ ”

23. Ipapo Mozisi akataura navaIsraeri, vakatora mutuki vakaenda naye kunze kwomusasa, vakamutaka namabwe akafa. VaIsraeri vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 24