Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 19:9-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. “ ‘Kana uchikohwa mumunda wako usakohwa kusvika kumuchetocheto womunda wako, kana kunhongera zvawira pasi pakukohwa.

10. Musakohwa kechipiri mumunda wemizambiringa kana kunhonga mazambiringa adonha. Zvisiyire varombo kana vatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

11. “ ‘Usaba.“ ‘Usareva nhema.“ ‘Musanyengedzana.

12. “ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha.

13. “ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumubira nechisimba.“ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana.

14. “ ‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha.

15. “ ‘Usaminamisa kururamisira, usatsaura murombo uchifarira mupfumi, asi tonga muvakidzani wako zvakakodzera.

16. “ ‘Usafamba uchiparadzira makuhwa pakati pavanhu vokwako.“ ‘Usaita chinhu chinoisa upenyu hwomuvakidzani wako panjodzi. Ndini Jehovha.

17. “ ‘Usavenga hama yako mumwoyo mako. Tsiura muvakidzani wako zviri pachena kuitira kuti usazova nomugove pamhosva yake.

18. “ ‘Usatsvaka kutsiva kana kugara nedaka nomumwe wavanhu vokwako asi ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe. Ndini Jehovha.

19. “ ‘Chengeta mirayiro yangu.“ ‘Usaberekesa mhando dzemhuka dzakasiyana.“ ‘Usadyara mbeu mbiri dzakasiyana mumunda mako.“ ‘Usapfeka nguo yakarukwa nemicheka miviri yakasiyana.

20. “ ‘Kana murume akavata nomukadzi ari murandakadzi akavimbiswa kuno mumwe murume, asi mukadzi asina kudzikinurwa kana kupiwa rusununguko rwake, panofanira kuva nokurangwa kwakakodzera. Asi haafaniri kuurayiwa nokuti mukadzi uyu anga asati asunungurwa.

21. Zvisinei, murume uyu anofanira kuuya negondohwe kumusuo weTende Rokusangana rechipiriso chemhosva kuna Jehovha.

22. Negondohwe rechipiriso chemhosva muprista anofanira kumuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwechivi chaakaita, uye chivi chake chicharegererwa.

23. “ ‘Kana mapinda munyika iyo mukadyara muchero upi noupi, torai michero yacho seisingabvumirwi. Kwamakore matatu munofanira kuitora seisingabvumirwi. Haifaniri kudyiwa.

24. Mugore rechina, michero yacho yose ichava mitsvene, chipiriso chokurumbidza kuna Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 19