Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mirayiro yakasiyana-siyana

1. Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Taura kuungano yose yeIsraeri uti kwavari, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.

3. “ ‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuremekedza mai nababa vake uye munofanira kuchengetedza maSabata angu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

4. “ ‘Musava nehanya nezvifananidzo kana kuzviitira zvimwari zvesimbi dzakanyungudutswa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

5. “ ‘Kana uchipa Jehovha chibayiro chechipiriso chokuwadzana, unofanira kuchipa nenzira inoita kuti chigamuchirwe pachinzvimbo chako.

6. Chichadyiwa nomusi waunochibayira kana zuva rinotevera; chinhu chipi nechipi chinosiyiwa kusvika pazuva rechitatu chinofanira kupiswa.

7. Kana zvimwe zvacho zvikadyiwa pazuva rechitatu hazvina kuchena uye hazvigamuchirwi.

8. Ani naani anozvidya achapiwa mhosva nokuti asvibisa chitsvene kuna Mwari; munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

9. “ ‘Kana uchikohwa mumunda wako usakohwa kusvika kumuchetocheto womunda wako, kana kunhongera zvawira pasi pakukohwa.

10. Musakohwa kechipiri mumunda wemizambiringa kana kunhonga mazambiringa adonha. Zvisiyire varombo kana vatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

11. “ ‘Usaba.“ ‘Usareva nhema.“ ‘Musanyengedzana.

12. “ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha.

13. “ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumubira nechisimba.“ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana.

14. “ ‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha.

15. “ ‘Usaminamisa kururamisira, usatsaura murombo uchifarira mupfumi, asi tonga muvakidzani wako zvakakodzera.

16. “ ‘Usafamba uchiparadzira makuhwa pakati pavanhu vokwako.“ ‘Usaita chinhu chinoisa upenyu hwomuvakidzani wako panjodzi. Ndini Jehovha.

17. “ ‘Usavenga hama yako mumwoyo mako. Tsiura muvakidzani wako zviri pachena kuitira kuti usazova nomugove pamhosva yake.

18. “ ‘Usatsvaka kutsiva kana kugara nedaka nomumwe wavanhu vokwako asi ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe. Ndini Jehovha.

19. “ ‘Chengeta mirayiro yangu.“ ‘Usaberekesa mhando dzemhuka dzakasiyana.“ ‘Usadyara mbeu mbiri dzakasiyana mumunda mako.“ ‘Usapfeka nguo yakarukwa nemicheka miviri yakasiyana.

20. “ ‘Kana murume akavata nomukadzi ari murandakadzi akavimbiswa kuno mumwe murume, asi mukadzi asina kudzikinurwa kana kupiwa rusununguko rwake, panofanira kuva nokurangwa kwakakodzera. Asi haafaniri kuurayiwa nokuti mukadzi uyu anga asati asunungurwa.

21. Zvisinei, murume uyu anofanira kuuya negondohwe kumusuo weTende Rokusangana rechipiriso chemhosva kuna Jehovha.

22. Negondohwe rechipiriso chemhosva muprista anofanira kumuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwechivi chaakaita, uye chivi chake chicharegererwa.

23. “ ‘Kana mapinda munyika iyo mukadyara muchero upi noupi, torai michero yacho seisingabvumirwi. Kwamakore matatu munofanira kuitora seisingabvumirwi. Haifaniri kudyiwa.

24. Mugore rechina, michero yacho yose ichava mitsvene, chipiriso chokurumbidza kuna Jehovha.

25. Asi mugore rechishanu mungadya michero yacho. Nenzira iyi gohwo renyu richawedzerwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

26. “ ‘Usadya nyama ipi neipi ichine ropa.“ ‘Usaita zvokushopera kana zvouroyi.

27. “ ‘Musacheka bvudzi renyu kumativi omusoro kana kudimurira ndebvu dzenyu.

28. “ ‘Musacheka miviri yenyu nokuda kwavakafa kana kuzviisa nyora. Ndini Jehovha.

29. “ ‘Usaderedza unhu hwomwanasikana wako nokumuita chifeve nokuti nyika yose ichaita ufeve ikazara nouipi.

30. “ ‘Chengetedza maSabata angu uye uremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.

31. “ ‘Usaenda kumasvikiro nokune vezvemidzimu nokuti uchasvibiswa navo. Ndini Jehovha Mwari wako.

32. “ ‘Unofanira kusimukira vachena bvudzi, ratidza rukudzo kuna vakuru uye utye Mwari wako. Ndini Jehovha.

33. “ ‘Kana mutorwa akagara nemi munyika, musamubate zvakaipa.

34. Mutorwa anogara nemi anofanira kubatwa sechizvarwa chenyu. Mudei sokuda kwamunozviita imi nokuti maiva vatorwa muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

35. “ ‘Musashandise zviero zvokubiridzira kana muchiera urefu, uremu kana uwandu.

36. Shandisai zviyero zvechokwadi efaa rechokwadi nehinib rechokwadi. Ndini Jehovha Mwari wenyu akakubudisai muIjipiti.

37. “ ‘Chengetai mirayiro yangu yose nemitemo yangu yose, mugoitevera. Ndini Jehovha.’ ”