Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 19:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. “ ‘Kana uchikohwa mumunda wako usakohwa kusvika kumuchetocheto womunda wako, kana kunhongera zvawira pasi pakukohwa.

10. Musakohwa kechipiri mumunda wemizambiringa kana kunhonga mazambiringa adonha. Zvisiyire varombo kana vatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

11. “ ‘Usaba.“ ‘Usareva nhema.“ ‘Musanyengedzana.

12. “ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 19