Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 19:28-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. “ ‘Musacheka miviri yenyu nokuda kwavakafa kana kuzviisa nyora. Ndini Jehovha.

29. “ ‘Usaderedza unhu hwomwanasikana wako nokumuita chifeve nokuti nyika yose ichaita ufeve ikazara nouipi.

30. “ ‘Chengetedza maSabata angu uye uremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.

31. “ ‘Usaenda kumasvikiro nokune vezvemidzimu nokuti uchasvibiswa navo. Ndini Jehovha Mwari wako.

32. “ ‘Unofanira kusimukira vachena bvudzi, ratidza rukudzo kuna vakuru uye utye Mwari wako. Ndini Jehovha.

33. “ ‘Kana mutorwa akagara nemi munyika, musamubate zvakaipa.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 19