Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 19:22-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Negondohwe rechipiriso chemhosva muprista anofanira kumuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwechivi chaakaita, uye chivi chake chicharegererwa.

23. “ ‘Kana mapinda munyika iyo mukadyara muchero upi noupi, torai michero yacho seisingabvumirwi. Kwamakore matatu munofanira kuitora seisingabvumirwi. Haifaniri kudyiwa.

24. Mugore rechina, michero yacho yose ichava mitsvene, chipiriso chokurumbidza kuna Jehovha.

25. Asi mugore rechishanu mungadya michero yacho. Nenzira iyi gohwo renyu richawedzerwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

26. “ ‘Usadya nyama ipi neipi ichine ropa.“ ‘Usaita zvokushopera kana zvouroyi.

27. “ ‘Musacheka bvudzi renyu kumativi omusoro kana kudimurira ndebvu dzenyu.

28. “ ‘Musacheka miviri yenyu nokuda kwavakafa kana kuzviisa nyora. Ndini Jehovha.

29. “ ‘Usaderedza unhu hwomwanasikana wako nokumuita chifeve nokuti nyika yose ichaita ufeve ikazara nouipi.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 19