Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 19:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. “ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha.

13. “ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumubira nechisimba.“ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana.

14. “ ‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha.

15. “ ‘Usaminamisa kururamisira, usatsaura murombo uchifarira mupfumi, asi tonga muvakidzani wako zvakakodzera.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 19