5. Chengetai mirayiro nemitemo yangu nokuti munhu anoiteerera achararama nayo. Ndini Jehovha.
6. “ ‘Hapana anofanira kuswedera kuhama yepedyo kuti avate naye. Ndini Jehovha.
7. “ ‘Usazvidza baba vako nokusangana namai vako. Ndimai vako usasangana navo.
8. “ ‘Usasangana nomukadzi wababa vako izvi zvingazvidza baba vako.
9. “ ‘Usasangana nehanzvadzi yako kana mwanasikana wababa vako kana mwanasikana wamai vako, zvisinei kuti akaberekwa mumba mumwe chete kana kumwewo.
10. “ ‘Usasangana nomwanasikana womwanakomana wako kana mwanasikana womwanasikana wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwauri.
11. “ ‘Usasangana nomwanasikana womukadzi wababa vako akaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako.
12. “ ‘Usasangana nehanzvadzi yababa vako ihama yababa vako yepedyo.
13. “ ‘Usasangana nomukoma kana munun'una wamai vako nokuti ihama yamai vako yepedyo.
14. “ ‘Usazvidza munun'una kana mukoma wababa vako nokuswedera kumukadzi wavo kuti uvate naye; nokuti ndimaiguru kana mainini.
15. “ ‘Usasangana nomuroora wako mukadzi womwanakomana wako; usasangana naye.
16. “ ‘Usasangana nomukadzi womukoma kana munun'una wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwomukoma kana munun'una wako.
17. “ ‘Usasangana nomukadzi pamwe chete nomwanasikana wake. Usasangana nomwanasikana womwanakomana wake kana mwanasikana womwanasikana wake; ihama dzake dzepedyo. Zvakaipa izvozvo.
18. “ ‘Usatora munun'una womukadzi wako kuti ave mukadzinyina, varwisane, ugosangana naye mukadzi wako achiri mupenyu.
19. “ ‘Usaswedera kumukadzi kuti usangane naye panguva yokusachena kwokuenda kumwedzi kwake.
20. “ ‘Usasangana nomukadzi womuvakidzani wako ugozvisvibisa naye.