Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 18:12-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. “ ‘Usasangana nehanzvadzi yababa vako ihama yababa vako yepedyo.

13. “ ‘Usasangana nomukoma kana munun'una wamai vako nokuti ihama yamai vako yepedyo.

14. “ ‘Usazvidza munun'una kana mukoma wababa vako nokuswedera kumukadzi wavo kuti uvate naye; nokuti ndimaiguru kana mainini.

15. “ ‘Usasangana nomuroora wako mukadzi womwanakomana wako; usasangana naye.

16. “ ‘Usasangana nomukadzi womukoma kana munun'una wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwomukoma kana munun'una wako.

17. “ ‘Usasangana nomukadzi pamwe chete nomwanasikana wake. Usasangana nomwanasikana womwanakomana wake kana mwanasikana womwanasikana wake; ihama dzake dzepedyo. Zvakaipa izvozvo.

18. “ ‘Usatora munun'una womukadzi wako kuti ave mukadzinyina, varwisane, ugosangana naye mukadzi wako achiri mupenyu.

19. “ ‘Usaswedera kumukadzi kuti usangane naye panguva yokusachena kwokuenda kumwedzi kwake.

20. “ ‘Usasangana nomukadzi womuvakidzani wako ugozvisvibisa naye.

21. “ ‘Usapa ani zvake pakati pavana vako kuti vabayirwe kuna Moreki nokuti haufaniri kumhura zita raJehovha. Ndini Jehovha.

22. “ ‘Usavata nomurume somurume anovata nomukadzi; zvinonyangadza.

23. “ ‘Usasangana nemhuka uye ugozvisvibisa nayo. Mukadzi haafaniri kuzvipa kumhuka kuti asangane nayo; uku kunyangadza kukuru.

24. “ ‘Musazvisvibisa neimwe yenzira idzi nokuti ndudzi dzandichadzinga pamberi penyu dzakazvisvibisa naizvozvo.

25. Kunyange nyika yakasvibiswa; naizvozvo ndakairanga nokuda kwezvakaipa zvayo uye nyika yakarutsa vagari vayo.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 18