Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 14:27-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. uye nomunwe wake wokurudyi wokutendeka nawo agomwaya mamwe mafuta anobva muchanza chake kanomwe pamberi paJehovha.

28. Mamwe mafuta ari muchanza chake anofanira kuaisa munzvimbo dzimwe chetedzo dzaakaisa ropa rechipiriso chemhosva panzeve yokurudyi youyo anoda kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwake rwokurudyi napachigunwe chikuru chegumbo rake rokurudyi.

29. Mamwe mafuta ose achasara muchanza muprista achaaisa mumusoro mouyo anofanira kucheneswa, kuti ayananisirwe pamberi paJehovha.

30. Ipapo achabayira njiva kana hangaiwa diki izvo zvaanogona kuwana,

31. imwe sechipiriso chechivi neimwe sechipiriso chinopiswa pamwe chete nechipiriso chezviyo. Nenzira iyi muprista achayananisira pamberi paJehovha, panzvimbo youya anofanira kucheneswa.”

32. Iyi ndiyo mirayiro pamusoro pouyo ane chirwere chamaperembudzi uye asingakwanisi kuuya nezvipiriso zvinofanira kupiwa kuti acheneswe.

33. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,

34. “Kana mapinda munyika yeKenani iyo yandiri kukupai senhaka, ndikaita chirwere chinopararira chamaperembudzi muimba iri munyika iyoyo,

35. muridzi weimba anofanira kuenda kundoudza muprista kuti, ‘Ndaona chimwe chinhu chinenge maperembudzi mumba mangu.’

36. Ipapo muprista anofanira kurayira kuti vabudise zvose zviri mumba muprista asati apinda kundotarira hosha, kuti kurege kuva nechinhu chiri mumba chichanzi hachina kuchena. Mushure maizvozvo muprista anofanira kupinda agoongorora imba.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 14