Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 9:10-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. “Taurira vaIsraeri kuti: ‘Mumwe wenyu kana zvizvarwa zvenyu kana vasvibiswa nokuda kwechitunha uye kana kuti vari parwendo, naivowo vangapemberera Pasika yaJehovha.

11. Vanofanira kuipemberera nezuva regumi namana romwedzi wechipiri panguva dzorubvunzavaeni. Vanofanira kudya gwayana, pamwe chete nechingwa chisina mbiriso nomuriwo unovava.

12. Havafaniri kusiya chinhu kusvikira mangwanani kana kuvhuna mapfupa aro. Pavanopemberera Pasika, vanofanira kutevedza mitemo yose.

13. Asi kana munhu akachena uye asiri parwendo akakundikana kupemberera Pasika, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake nokuti haana kuvigira Jehovha chipiriso panguva yakatarwa. Munhu uyo achatakura zvivi zvake.

14. “ ‘Mutorwa agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kuita izvozvo maererano nemitemo nemirayiro yayo. Munofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa nokuna akaberekerwa munyika.’ ”

15. Pazuva rakamiswa tabhenakeri, iyo Tende yeChipupuriro, gore rakaifukidza. Kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, gore rakanga riri pamusoro petabhenakeri rakanga rakaita somoto.

16. Ndizvo zvarakaramba rakaita; gore rakaifukidza, uye usiku raitaridzika somoto.

17. Gore raiti kana rasimudzwa kubva pamusoro peTende, vaIsraeri vaifamba; pose paimira gore, vaIsraeri vaidzika musasa ipapo.

18. Pakurayira kwaJehovha, vaIsraeri vaifamba, uye pakurayirwa kwake, vaibva vadzika musasa.

19. Gore paraimira pamusoro petabhenakeri, ivo vairamba vakadzika musasa.

20. Dzimwe nguva gore raigara pamusoro petabhenakeri kwamazuva mashomanana chete; vaidzika musasa wavo sokurayira kwaJehovha uye pakurayira kwake, vaibva vafamba.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 9