Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 7:72-83 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

72. Pazuva regumi nerimwe, Pagieri mwanakomana waOkirani, mutungamiri wavanhu vokwaAsheri, akauya nechipiriso chake.

73. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

74. dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwirira;

75. hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;

76. nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;

77. uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaPagieri mwanakomana waOkirani.

78. Pazuva regumi namaviri, Ahira mwanakomana waEnani, mutungamiri wavanhu vokwaNafutari, akauya nechipiriso chake.

79. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

80. dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

81. hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;

82. nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;

83. uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhira mwanakomana waEnani.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 7