Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 7:41-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaSherumieri mwanakomana waZurishadhai.

42. Pazuva rechitanhatu, Eriasafi mwanakomana waDheueri, mutungamiri wavanhu vokwaGadhi, akauya nechipiriso chake.

43. Chipiriso chake chakanga chiri ndiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

44. dhishi rimwe chete regoridhe, rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

45. hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;

46. nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;

47. nenzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaEriasafi mwanakomana waDheueri.

48. Pazuva rechinomwe, Erishama mwanakomana waAmihudhi, mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu, akauya nechipiriso chake.

49. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo,

50. dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

51. hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye mukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;

52. nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;

53. uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaErishama mwanakomana waAmihudhi.

54. Pazuva rorusere Gamarieri mwanakomana waPedhazuri, mutungamiri wavanhu vokwaManase akauya nechipiriso chake.

55. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

56. dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 7