Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 7:21-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;

22. nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;

23. uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNetaneri mwanakomana waZuari.

24. Pazuva rechitatu, Eriabhu mwanakomana waHeroni, mutungamiri wavanhu vokwaZebhuruni, akauya nechipiriso chake.

25. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chechivi;

26. dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

27. hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;

28. nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;

29. uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaEriabhu mwanakomana waHeroni.

30. Pazuva rechina, Erizuri mwanakomana waShedheuri, mutungamiri wavanhu vokwaRubheni, akauya nechipiriso chake.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 7