Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 7:2-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Ipapo vatungamiri veIsraeri, vakuru vedzimba avo vakanga vari vatungamiri vamarudzi vari vatariri vavaya vakanga vaverengwa, vakapa zvipiriso.

3. Vakauyisa sezvipiriso zvavo pamberi paJehovha, ngoro nhanhatu dzakafukidzirwa nenzombe gumi nembiri, nzombe kubva kumutungamiriri mumwe nomumwe uye ngoro kubva kuvaviri vaviri. Izvi zvakaiswa pamberi petabhenakeri.

4. Jehovha akati kuna Mozisi,

5. “Gamuchira izvi kubva kwavari kuti zvigoshandiswa mubasa paTende Rokusangana. Uzvipe kuvaRevhi maererano nebasa romunhu mumwe nomumwe.”

6. Saka Mozisi akatora ngoro nenzombe akazvipa kuvaRevhi.

7. Akapa kuvaGerishoni ngoro mbiri nenzombe ina, maererano nezvaidiwa pabasa ravo,

8. uye akapa ngoro ina nenzombe tsere kuvaMerari, maererano nezvaidiwa pabasa ravo. Vose vakanga vachirayirwa naItamari mwanakomana waAroni, muprista.

9. Asi Mozisi haana kupa chinhu kuvanakomana vaKohati, nokuti vaifanira kutakura zvinhu zvitsvene pamapfudzi avo, iri ndiro raiva basa ravo.

10. Aritari yakati yazodzwa, vatungamiri vakauya nezvipiriso zvavo zvokukumikidzwa kwayo vakazviisa pamberi pearitari.

11. Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Zuva rimwe nerimwe, mutungamiri mumwe chete anofanira kuuya nechipiriso chake chokukumikidza aritari.”

12. Nashoni mwanakomana waAminadhabhi worudzi rwaJudha, ndiye akauya nechipiriso chake pazuva rokutanga.

13. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatua, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomweb, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rimwe nerimwe rizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

14. dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumic, rizere nezvinonhuwira;

15. hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete negwayana rimwe chete romukono wegore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 7