Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 4:41-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. Ndiko kwakanga kuri kuwanda kwaavo vakanga vari vedzimba dzavaGerishoni vaishanda muTende Rokusangana. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha.

42. VaMerari vakaverengwa nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo.

43. Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa muTende Rokusangana,

44. vachiverengwa nedzimba dzavo, vaisvika zviuru zvitatu, namazana maviri.

45. Uku ndiko kwakanga kuri kuwanda kwaavo vaiva mudzimba dzavaMerari. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi.

46. Saka Mozisi, Aroni navatungamiri veIsraeri vakaverenga vaRevhi vose nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo.

47. Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa uye vachitakura Tende Rokusangana,

48. vakasvika zviuru zvisere, mazana mashanu namakumi masere.

49. Mumwe nomumwe akagoverwa basa rake akaudzwa zvokuita sokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi. Saizvozvo vakaverengwa, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 4