Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 33:34-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Vakabva paJotibhata vakandodzika misasa paAbhurona.

35. Vakabva paAbhurona vakandodzika misasa paEzioni Gebheri.

36. Vakabva paEzioni Gebheri vakandodzika misasa paKadheshi, murenje reZini.

37. Vakabva paKadheshi vakandodzika misasa paGomo reHori, kumuganhu weEdhomu.

38. Aroni muprista akakwira muGomo reHori sezvakarayirwa naJehovha, akandofira imomo pazuva rokutanga romwedzi wechishanu wegore ramakumi mana shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti.

39. Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake paGomo reHori.

40. Mambo weAradhi muKenani, aigara kuNegevhi kweKenani, akanzwa kuti vaIsraeri vari kuuya.

41. Vakabva kuGomo reHori vakandodzika misasa paZarimona.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 33