Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 31:31-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Saka Mozisi naEreazari muprista vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

32. Zvakatapwa zvakasara pane zvavakapamba zvakanga zvatorwa navarwi zvaisvika zviuru mazana matanhatu namakumi manomwe nezvishanu zvamakwai,

33. mombe zviuru makumi manomwe nezviviri,

34. mbongoro zviuru makumi matanhatu nechiuru chimwe chete

35. uye vakadzi zviuru makumi matatu nezviviri vakanga vasina kumbovata navarume.

36. Hafu yomugove wavaya vakarwa muhondo yaiva:makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu nezvinomwe, namazana mashanu,

37. mutero waJehovha paari wakanga uri makwai mazana matanhatu namakwai manomwe namashanu;

38. mombe, dzaisvika zviuru makumi matatu nezvitanhatu, mutero waJehovha padziri waiva mombe makumi manomwe nembiri;

39. mbongoro, dzaiva zviuru makumi matatu namazana mashanu, mutero waJehovha padziri wakanga uri mbongoro makumi matanhatu neimwe chete;

40. vanhu vaisvika zviuru gumi nezvitanhatu, mutero waJehovha pavari waiva vanhu makumi matatu navaviri.

41. Mozisi akapa mutero kuna Ereazari muprista somugove waJehovha, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

42. Hafu yakanga iri yavaIsraeri, yakatsaurwa naMozisi kubva kuvarume vehondo,

43. hafu yeungano, yaiva makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu namanomwe, namazana mashanu,

44. mombe zviuru makumi matatu, nezvitanhatu,

45. mbongoro dzaiva zviuru makumi matatu, namazana mashanu

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 31