Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 31:23-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. nezvimwewo zvisingaparadzwi nomoto; zvinofanira kuiswa mumoto, ipapo zvichava zvakanaka. Asi zvinofanirawo kucheneswa nemvura yokunatsa. Uye zvose zvisingagoni kukunda moto zvinofanira kupinzwa nomumvura imomo.

24. Pazuva rechinomwe musuke nguo dzenyu, ipapo muchava vakachena. Ipapo mungazochipinda henyu mumusasa.”

25. Jehovha akati kuna Mozisi,

26. “Iwe naEreazari muprista navakuru vemhuri veungano munofanira kuverenga vanhu vose nezvipfuwo zvakapambwa.

27. Mugovere zvakapambwa pakati pavarwi vakaenda kuhondo uye navakasara muungano.

28. Kubva kuvarwi vakanga vandorwa kuhondo, utsaure somutero waJehovha chinhu chimwe chete pazvinhu mazana mashanu, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai kana mbudzi.

29. Utore mutero uyu kubva pahafu yavo yomugove wavo ugopa kuna Ereazari muprista somugove waJehovha.

30. Kubva kuhafu inova yavaIsraeri, utsaure chinhu chimwe chete kubva pamakumi mashanu oga oga, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai, mbudzi kana zvimwe zvipfuwo. Uzvipe kuvaRevhi, ivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.”

31. Saka Mozisi naEreazari muprista vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

32. Zvakatapwa zvakasara pane zvavakapamba zvakanga zvatorwa navarwi zvaisvika zviuru mazana matanhatu namakumi manomwe nezvishanu zvamakwai,

33. mombe zviuru makumi manomwe nezviviri,

34. mbongoro zviuru makumi matanhatu nechiuru chimwe chete

35. uye vakadzi zviuru makumi matatu nezviviri vakanga vasina kumbovata navarume.

36. Hafu yomugove wavaya vakarwa muhondo yaiva:makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu nezvinomwe, namazana mashanu,

37. mutero waJehovha paari wakanga uri makwai mazana matanhatu namakwai manomwe namashanu;

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 31