Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 26:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwedenda Jehovha akati kuna Mozisi naEreazari mwanakomana waAroni, muprista,

2. “Verengai ungano yose yavaIsraeri nemhuri dzavo, vose vana makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo yaIsraeri.”

3. Saka Mozisi naEreazari muprista vakataura navo pamapani eMoabhu paJorodhani nechokumhiri kweJeriko vakati,

4. “Verengai varume vana makore makumi maviri kana anodarika, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.” Ava ndivo vaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti:

5. Zvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri zvaiva: Hanoki, kwakabva mhuri yaHanoki; Paru, kwakabva mhuri yaParu;

6. Hezironi, kwakabva mhuri yaHezironi; Kami, kwakabva mhuri yaKami.

7. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaRubheni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvitatu, namazana manomwe ana makumi matatu.

8. Mwanakomana waParu akanga ari Eriabhu,

9. uye vanakomana vaEriabhu vakanga vari Nemueri, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu ndivo machinda eungano aya akamukira Mozisi naAroni uye vakanga vari pakati pavateveri vaKora pavakamukira Jehovha.

10. Nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza pamwe chete naKora, chikwata ichocho pachakafa, moto pawakaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu. Uye ivo vakava chiratidzo cheyambiro.

11. Kunyange zvakadaro, rudzi rwaKora haruna kuparara.

12. Zvizvarwa zvaSimeoni nemhuri dzavo zvaiva: Nemueri kwakabva mhuri yavaNemueri; Jamini, kwakabva mhuri yavaJamini; Jakini, kwakabva mhuri yavaJakini;

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 26