Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 24:9-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi, seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa?“Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzwe uye vose vanokutuka, ngavatukwe!”

10. Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari,“Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka.

11. Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.”

12. Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti,

13. ‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here?’

14. Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.”

15. Ipapo akataura chirevo chake akati:“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori,

16. chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, ano ruzivo runobva kuno Wokumusorosoro, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura:

17. “Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino; ndinomuona, asi haasi pedyo. Nyeredzi ichabuda muna Jakobho; Tsvimbo youshe ichamera kubva muna Israeri. Achapwanya huma dzavaMoabhu, madehenya avanakomana vose vaSeti.

18. Edhomu achakundwa; Seiri, muvengi wake, achakundwa, asi Israeri achasimba.

19. Mutongi achabuda muna Jakobho uye achaparadza vakasara veguta.”

20. Ipapo Bharamu akaona Amareki uye akataura chirevo chake achiti,“Amareki akanga ari wokutanga pakati pendudzi, asi pakupedzisira achaparadzwa.”

21. Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti:“Ugaro hwako hwakachengetedzeka, dendere rako rakavakwa padombo;

22. asi imi vaKeni muchaparadzwa, Ashuri paachakutapai.”

23. Ipapo akataura chirevo chake akati:“Haiwa, ndianiko angararama kana Mwari akaita izvi?

24. Zvikepe zvichauya zvichibva kumahombekombe eKitimu; zvichakunda Ashuri neEbheri, asi naizvowo zvichaparadzwa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 24