Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 24:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake

3. uye akataura chirevo chake achiti:“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye ana meso anonyatsoona,

4. chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura.

5. “Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho, nougaro hwako, iwe Israeri!

6. “Semipata, vakaita fararira, samapindu pedyo norwizi, segavakava rakasimwa naJehovha, semisidhari pedyo nemvura.

7. Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo; mbeu dzavo dzichawana mvura yakawanda.“Mambo wavo achava mukuru kupinda Agagi; umambo hwavo huchasimudzirwa.

8. “Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati. vanomedza ndudzi dzine hasha uye vanovhunavhuna mapfupa adzo; Vanovabaya nemiseve yavo.

9. Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi, seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa?“Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzwe uye vose vanokutuka, ngavatukwe!”

10. Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari,“Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka.

11. Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.”

12. Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti,

13. ‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here?’

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 24