Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 24:14-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.”

15. Ipapo akataura chirevo chake akati:“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori,

16. chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, ano ruzivo runobva kuno Wokumusorosoro, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura:

17. “Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino; ndinomuona, asi haasi pedyo. Nyeredzi ichabuda muna Jakobho; Tsvimbo youshe ichamera kubva muna Israeri. Achapwanya huma dzavaMoabhu, madehenya avanakomana vose vaSeti.

18. Edhomu achakundwa; Seiri, muvengi wake, achakundwa, asi Israeri achasimba.

19. Mutongi achabuda muna Jakobho uye achaparadza vakasara veguta.”

20. Ipapo Bharamu akaona Amareki uye akataura chirevo chake achiti,“Amareki akanga ari wokutanga pakati pendudzi, asi pakupedzisira achaparadzwa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 24