Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 24:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje.

2. Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake

3. uye akataura chirevo chake achiti:“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye ana meso anonyatsoona,

4. chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura.

5. “Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho, nougaro hwako, iwe Israeri!

6. “Semipata, vakaita fararira, samapindu pedyo norwizi, segavakava rakasimwa naJehovha, semisidhari pedyo nemvura.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 24