Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 20:10-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Iye naAroni vakaunganidza ungano pamwe chete pamberi pedombo, uye Mozisi akati kwavari, “Teererai imi vokumukira, tinofanira kukubudisirai mvura padombo iri here?”

11. Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura yakabuda, ungano nezvipfuwo zvikanwa.

12. Asi Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Nokuti hamuna kuvimba neni zvakakwana kuti mundikudze somutsvene pamberi pavaIsraeri, imi hamuchapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.”

13. Iyi ndiyo mvura yeMeribha, apo vaIsraeri vakarwa naJehovha uye paakazviratidza kuti mutsvene pakati pavo.

14. Mozisi akatuma nhume ari kuKadheshi kuna mambo weEdhomu, achiti,“Zvanzi nomunun'una wako Israeri: Iwe unoziva matambudziko ose akatiwira.

15. Madzibaba edu akaburuka achienda kuIjipiti, uye takandogarako kwamakore mazhinji. VaIjipita vakatibata zvakaipa isu namadzibaba edu,

16. asi takati tadana kuna Jehovha, iye akatinzwa akatuma mutumwa akatibudisa muIjipiti.“Zvino tiri pano paKadheshi, guta riri kumucheto wenyika yenyu.

17. Tapota titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatizopindi nomuminda ipi zvayo kana minda yemizambiringa kana kunwa zvako mvura mutsime ripi zvaro. Tichafamba hedu nomunzira huru yamambo uye hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tapfuura nomunyika yenyu.”

18. Asi Edhomu akapindura akati,“Hamupfuuri napano; kana mukaedza, tichabuda tigokurwisai nomunondo.”

19. VaIsraeri vakapindura vakati,“Tichaenda nenzira huru, uye kana isu kana zvipfuwo zvedu zvikanwa mvura yenyu, ticharipa. Tinongoda kupfuura tichifamba netsoka, hapanazve chimwe.”

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 20