Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 20:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mumwedzi wokutanga, ungano yose yeIsraeri yakasvika murenje reZini, uye vakandogara paKadheshi. Ndipo pakafira Miriamu uye akavigwapo.

2. Zvino pakanga pasisina mvura yeungano, uye vanhu vakaungana vakapopotera Mozisi naAroni.

3. Vakapopotera Mozisi vachiti, “Dai zvedu takafa pakafira hama dzedu pamberi paJehovha!

4. Seiko wakauya neungano yaJehovha murenje rino, kuti isu nezvipfuwo zvedu tifire muno.

5. Seiko wakatibudisa muIjipiti uchitiuyisa munzvimbo yakaipa kudai? Haina zviyo kana maonde, mazambiringa kana matamba. Uye mvura yokunwa hapana!”

6. Mozisi naAroni vakabva paungano vakaenda kumukova weTende Rokusangana vakawira pasi nezviso zvavo, uye kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari.

7. Jehovha akati kuna Mozisi,

8. “Tora tsvimbo uye iwe nomukoma wako Aroni muunganidze ungano pamwe chete. Utaure kudombo pamberi pavo uye richabudisa mvura yaro. Iwe uchabudisa mvura kubva mudombo kuti vanwe ivo nezvipfuwo zvavo.”

9. Saka Mozisi akatora tsvimbo pamberi paJehovha, sezvaakanga amurayira.

10. Iye naAroni vakaunganidza ungano pamwe chete pamberi pedombo, uye Mozisi akati kwavari, “Teererai imi vokumukira, tinofanira kukubudisirai mvura padombo iri here?”

11. Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura yakabuda, ungano nezvipfuwo zvikanwa.

12. Asi Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Nokuti hamuna kuvimba neni zvakakwana kuti mundikudze somutsvene pamberi pavaIsraeri, imi hamuchapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.”

13. Iyi ndiyo mvura yeMeribha, apo vaIsraeri vakarwa naJehovha uye paakazviratidza kuti mutsvene pakati pavo.

14. Mozisi akatuma nhume ari kuKadheshi kuna mambo weEdhomu, achiti,“Zvanzi nomunun'una wako Israeri: Iwe unoziva matambudziko ose akatiwira.

15. Madzibaba edu akaburuka achienda kuIjipiti, uye takandogarako kwamakore mazhinji. VaIjipita vakatibata zvakaipa isu namadzibaba edu,

16. asi takati tadana kuna Jehovha, iye akatinzwa akatuma mutumwa akatibudisa muIjipiti.“Zvino tiri pano paKadheshi, guta riri kumucheto wenyika yenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 20