Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 2:7-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Rudzi rwaZebhuruni ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vaZebhuruni ndiEriabhu mwanakomana waHeroni.

8. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.

9. Varume vose vanodiwa kumusasa waJudha maererano namapoka avo, vanokwana zviuru zana namakumi masere nezvitanhatu, namazana mana. Ava ndivo vachatanga kusimuka.

10. Kurutivi rwezasi kuchava namapoka emisasa yaRubheni ichange iri pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaRubheni ndiErizuri mwanakomana waShedheuri.

11. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu.

12. Rudzi rwaSimeoni ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni ndiSharumiri mwanakomana waZurishadhai.

13. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.

14. Rudzi rwaGadhi ndirwo ruchatevera. Eriasafi mwanakomana waDheueri ndiye mutungamiri wavanhu vokwaGadhi.

15. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.

16. Varume vose vakadanwa kumusasa waRubheni maererano namapoka avo, vaisvika zviuru zana namakumi mashanu nerimwe chete, namazana mana namakumi mashanu. Ndivo vachava vechipiri pakusimuka.

17. Ipapo Tende Rokusangana nomusasa wavaRevhi zvichasimuka pakati pemisasa. Vachasimuka zvimwe chetezvo zvavanoita pakumisa misasa, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pasi pomureza wake.

18. Nechokumavirira kuchava namapoka emisasa yaEfuremu ari pasi pemireza yawo. Mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu ndiErishama mwanakomana waAmihudhi.

19. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.

20. Rudzi rwaManase ndirwo ruchavatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaManase ndiGamarieri mwanakomana waPedhazuri.

21. Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 2