Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 14:27-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. “Ungano iyi icharamba ichindipopotera kusvikira riniko? Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsraeri vokungopopota havo ava.

28. Saka vaudze kuti, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakuitirai zvinhu zvacho zvandakanzwa muchireva muchiti:

29. Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino, imi mose muna makore makumi maviri kana makumi maviri neanoraudza makaverengwa pakuverengwa uye mukandipopotera.

30. Hakuna mumwe wenyu achapinda munyika yandakakupikirai noruoko rwakasimudzwa kuti uve musha wenyu, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.

31. Asi kana vari vana venyu vamakati vachatapwa, ndichavapinza kuti vafare munyika yamaramba imi.

32. Asi imi zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino.

33. Vana venyu vachava vafudzi muno kwamakore makumi mana, vachitambudzika nokuda kwokusatendeka kwenyu, kusvikira chitunha chenyu chokupedzisira chavata murenje rino.

34. Kwamakore makumi mana, gore richimirira zuva rimwe nerimwe ramazuva makumi mana amakasora nyika, muchatambudzika nokuda kwezvivi zvenyu uye muchaziva kuti zvinoita sei kuti ini ndirwe nemi.’

35. Ini, Jehovha, ndazvitaura, uye zvirokwazvo ndichaita zvinhu izvi kuungano yose iyi yakaipa, yakabatana pamwe chete kuti indirwise. Vachaperera murenje muno; vachafira muno.”

36. Saka varume vakanga vatumwa naMozisi kundosora nyika, vaya vakadzoka vakaita kuti ungano yose ipopotere Mozisi nemhaka yokuparidzira mashoko akaipa pamusoro payo,

37. varume ava vakanga vaparadzira mashoko akaipa pamusoro penyika, vakarohwa vakaurayiwa nedenda pamberi paJehovha.

38. Pavarume vakaenda kundosora nyika, Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune ndivo bedzi vakararama.

39. Mozisi akati azivisa izvi kuvaIsraeri vose, vakachema zvikuru.

40. Mangwana acho mangwanani, vakakwira vakananga kumusoro kunyika yamakomo marefu. Vakati, “Takatadza hedu. Tichakwira tiende kunyika yatakavimbiswa naJehovha.”

41. Asi Mozisi akati kwavari, “Sei musingateereri kurayira kwaJehovha? Izvi hazvibudiriri!

42. Musakwira kumusoro nokuti Jehovha haazi pakati penyu. Muchakundwa navavengi venyu,

43. nokuti vaAmareki navaKenani vachasangana nemi ikoko. Nokuti makafuratira Jehovha, iye haangavi nemi uye muchaurayiwa nomunondo.”

44. Kunyange zvakadaro, nepfungwa dzavo, vakaenda vakananga kunyika yamakomo marefu, kunyange Mozisi asina kuenda uye areka yaJehovha yesungano isina kubviswawo pamusasa.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 14