Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 14:26-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,

27. “Ungano iyi icharamba ichindipopotera kusvikira riniko? Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsraeri vokungopopota havo ava.

28. Saka vaudze kuti, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakuitirai zvinhu zvacho zvandakanzwa muchireva muchiti:

29. Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino, imi mose muna makore makumi maviri kana makumi maviri neanoraudza makaverengwa pakuverengwa uye mukandipopotera.

30. Hakuna mumwe wenyu achapinda munyika yandakakupikirai noruoko rwakasimudzwa kuti uve musha wenyu, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.

31. Asi kana vari vana venyu vamakati vachatapwa, ndichavapinza kuti vafare munyika yamaramba imi.

32. Asi imi zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino.

33. Vana venyu vachava vafudzi muno kwamakore makumi mana, vachitambudzika nokuda kwokusatendeka kwenyu, kusvikira chitunha chenyu chokupedzisira chavata murenje rino.

34. Kwamakore makumi mana, gore richimirira zuva rimwe nerimwe ramazuva makumi mana amakasora nyika, muchatambudzika nokuda kwezvivi zvenyu uye muchaziva kuti zvinoita sei kuti ini ndirwe nemi.’

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 14