Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 8:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. VaRevhi vakanyaradza vanhu vose vakati, “Nyararai, nokuti iri izuva dzvene. Musazvidya mwoyo.”

12. Ipapo vanhu vose vakabva vaenda kundodya nokunwa, nokutumira migove yezvokudya vachipembera nomufaro mukuru, nokuti vakanga vanzwisisa zvino mashoko avakanga vaudzwa.

13. Pazuva rechipiri romwedzi, vakuru vemhuri, pamwe chete navaprista navaRevhi, vakaungana vakakomberedza Ezira munyori kuti vateerere kumashoko oMurayiro.

14. Vakawana zvakanga zvakanyorwa muMurayiro, zvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, zvokuti vaIsraeri vaizogara mumatumba panguva dzomutambo womwedzi wechinomwe.

15. Uye kuti vaifanira kuparidza shoko iri nokuriparadzira mumaguta avo ose nomuJerusarema vachiti: Endai munyika yezvikomo muuye namapazi omuorivhi nemiti yemiorivhi yomusango, neomukonachando, nemichindwe nemiti yemimvuri, kuti muite matumba sezvazvakanyorwa.”

16. Naizvozvo vanhu vakabuda vakanouya namapazi vakazvivakira matumba pamusoro pamatenga avo, nomuminhanga yavo, nomumavazhe eimba yaMwari uye napachivara paSuo reMvura uye napaSuo raEfuremu.

17. Ungano yose yakanga yadzoka kuutapwa yakavaka matumba ikagaramo. Kubva pamazuva aJoshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iroro, vaIsraeri havana kumbopemberera saizvozvi. Uye mufaro wavo waiva mukuru kwazvo.

18. Zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pane rokupedzisira, Ezira akaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari. Vakapemberera mutambo kwamazuva manomwe, uye pazuva rorusere, maererano nezvakanga zvarayirwa, pakava neungano ipapo.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 8