Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 3:24-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Aimutevera, Bhinui mwanakomana waHanadhadhi akagadzira chimwe chikamu, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona nokune imwezve kona,

25. uye Parari mwanakomana waUzia akashanda pakatarisana nepakona uye napashongwe inobuda ichibva kumuzinda wokumusoro pedyo noruvazhe rwavarindi. Aimutevera, Pedhaya mwanakomana waParoshi

26. navashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi vakagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana neSuo reMvura kwakananga kumabvazuva uye napanobudikira neshongwe.

27. Vaivatevera, varume veTekoa vakagadzira chimwe chikamu, kubva panobuda shongwe huru kusvikira kurusvingo rweOferi.

28. Vaprista vakagadzira pamusoro peSuo raMabhiza, mumwe nomumwe pamberi peimba yake.

29. Aivatevera, aiva Zadhoki mwanakomana waImeri akagadzira pakatarisana neimba yake. Aimutevera ndiShemaya mwanakomana waShekania, murindi wokuSuo rokuMabvazuva, ane zvaakagadzira.

30. Vaimutevera, Hanania mwanakomana waSheremia naHanuni, mwanakomana wechitanhatu waZarafu, ndivo vakagadzira chimwe chikamu. Aimutevera, Meshuramu mwanakomana waBherekia akagadzira pakatarisana nepaaigara.

31. Mumashure make Marikia, mumwe wavapfuri vegoridhe, vakagadzira kusvikira kuimba yavashandi vetemberi navatengesi, pakatarisana neSuo Rokuongorora, uye kusvikira paimba iri pamusoro pekona;

32. uye pakati peimba iri pamusoro pekona neSuo raMakwai, vapfuri vegoridhe navatengesi ndivo vakapagadzira.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 3