Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 11:21-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Vashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi, uye Ziha naGishipa ndivo vaiva vatungamiri vavo.

22. Mutariri mukuru wavaRevhi muJerusarema aiva Uzi mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika. Uzi aiva mumwe wezvizvarwa zvaAsafi, vaiva vaimbi vari vabati veshumiro yeimba yaMwari.

23. Vaimbi vaiva pasi pomutemo wamambo, waivataurira zvokuita zuva nezuva.

24. Petahia mwanakomana waMeshezabheri, mumwe wezvizvarwa zvaZera mwanakomana waJudha, aiva mubati waMambo panyaya dzose dzavanhu.

25. Kana iri misha neminda yavo, vanhu vokwaJudha vakagara muKiriati Abha namaruwa akaripoteredza, muDhibhoni namaruwa aro, muJekabhizeri nemisha yaro,

26. muJeshua, muMoradha, nomuBheti Pereti,

27. nomuHazari Shuari, nomuBheerishebha namaruwa aro,

28. nomuZikiragi, nomuMekona namaruwa aro,

29. muEni Rimoni, nomuZora, nomuJarimuti,

30. Zanoa, neAdhurami nemisha yawo, muRakishi neminda yaro, nomuAzeka namaruwa aro. Naizvozvo vakanga vagere munzvimbo yose kuBheerishebha kusvikira kuMupata weHinomi.

31. Zvizvarwa zvaBhenjamini zvaibva kuGebha zvakagara muMikinashi, neAija neBeteri namaruwa acho,

32. muAnatoti, neNobhi neAnania,

33. muHazori, neRama neGitaimi,

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 11