Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nahumi 3:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ndichakukandidzira tsvina, ndichakuita akazvidzika uye ndichakuita chiseko.

7. Vose vachakuona vachakutiza uye vachati, ‘Ninevhe raparara, ndiani acharichema?’ Ndingawana kupi munhu angakunyaradza?”

8. Uri nani kupfuura Tebhesi here, rakavakwa paNairi, rakakomberedzwa nemvura? Rwizi ndirwo rwairidzivirira, mvura ruri rusvingo rwaro.

9. Etiopia neIjipiti ndizvo zvaiva simba rayo guru; Puti neRibhiya dzaiva pakati pavabatsiri vayo.

10. Kunyange zvakadaro yakatapwa ikaendeswa muutapwa. Vacheche varo vakaputsanyiwa kumavambo kwemigwagwa yose. Mijenya yakakandwa pamusoro pemachinda avo, uye vakuru vavo vakasungwa nengetani.

11. Newewo uchadhakwa; uchavanda ugotsvaka utiziro kubva kumuvengi wako.

12. Nhare dzako dzose dzafanana nemiti yemionde ine michero yokutanga yaibva; paanozunzwa, maonde anodonhera mumuromo momudyi.

Verenga chitsauko zvakakwana Nahumi 3