Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nahumi 3:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rine nhamo guta reropa, rizere nenhema, rizere nezvakapambwa, harigari risina varinotambudza!

2. Kurira kwetyava, utsvikitsviki hwamavhiri, mutsindo wamabhiza nomubvumo wokutinhira kwengoro!

3. Kumhanya kwavatasvi vamabhiza, kupenya kweminondo namapfumo anovaima! Vazhinji vakaurayiwa, mirwi yevakafa, mitumbi isingaverengeki, vanhu vachigumburwa nezvitunha.

Verenga chitsauko zvakakwana Nahumi 3