Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nahumi 1:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Chirevo pamusoro peNinevhe. Bhuku rezvakaonekwa naNahumi muErikoshi.

2. Jehovha ane godo uye ndiMwari anotsiva; Jehovha anotsiva uye azere nehasha. Jehovha anotsiva kuvavengi vake uye anochengetera vavengi vake hasha dzake.

3. Jehovha anononoka kutsamwa uye ane simba guru; Jehovha haangasiyi ane mhosva asina kurangwa. Nzira yake iri muchamupupuri nedutu, uye makore ndiwo guruva retsoka dzake.

4. Anotuka gungwa agoriomesa; anoita kuti nzizi dzose dziome. Bhashani neKarimeri zvasvava uye kutumbuka kweRebhanoni kwapera.

5. Makomo anodengenyeka pamberi pake uye zvikomo zvinonyungudika. Nyika inodedera pamberi pake, nyika uye navose vanogara mairi.

Verenga chitsauko zvakakwana Nahumi 1