Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nahumi 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Chirevo pamusoro peNinevhe. Bhuku rezvakaonekwa naNahumi muErikoshi.

Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peNinevhe

2. Jehovha ane godo uye ndiMwari anotsiva; Jehovha anotsiva uye azere nehasha. Jehovha anotsiva kuvavengi vake uye anochengetera vavengi vake hasha dzake.

3. Jehovha anononoka kutsamwa uye ane simba guru; Jehovha haangasiyi ane mhosva asina kurangwa. Nzira yake iri muchamupupuri nedutu, uye makore ndiwo guruva retsoka dzake.

4. Anotuka gungwa agoriomesa; anoita kuti nzizi dzose dziome. Bhashani neKarimeri zvasvava uye kutumbuka kweRebhanoni kwapera.

5. Makomo anodengenyeka pamberi pake uye zvikomo zvinonyungudika. Nyika inodedera pamberi pake, nyika uye navose vanogara mairi.

6. Ndiani angadzivisa hasha dzake? Ndiani angashingirire pahasha dzake dzinotyisa? Hasha dzake dzadururwa somoto; matombo apwanyika pamberi pake.

7. Jehovha akanaka, utiziro panguva dzokutambudzika. Anochengeta avo vanovimba naye,

8. asi namafashamu ane simba guru, achaparadza Ninevhe; achateverera vavengi vake kusvikira murima.

9. Zvose zvavakaronga pamusoro paJehovha iye achazviparadza; dambudziko haringauyi kechipiri.

10. Vachakorokodzwa pakati peminzwa uye vachadhakwa newaini yavo; vachaparadzwa samashanga akaoma.

11. Kubva mauri, iwe Ninevhe, pane mumwe akabuda anoronga zvakaipa pamusoro paJehovha uye anopa zano rakaipa.

12. Zvanzi naJehovha, “Kunyange vane vabatsiri uye vakawanda, vachaurayiwa vakasazovapozve. Kunyange ndakakutambudza, iwe Judha, handichazokutambudzizve.

13. Zvino ndichavhuna joko ravo kubva pamutsipa wako uye ndichadambura ngetani dzako.”

14. Jehovha arayira shoko pamusoro pako, iwe Ninevhe, rokuti, “Hauchazovi nezvizvarwa zvinopiwa zita rako. Ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa, zviri mutemberi yavamwari vako. Ndichachera guva rako, nokuti iwe wakaipa kwazvo.”

15. Tarira, pamakomo apo, tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Pemberera mitambo yako, iwe Judha, uye uzadzise mhiko dzako. Vakaipa havachakurwisazve; vachaparadzwa zvachose.