Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 5:10-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Uyo zvake anoda mari haazombowani mari yakakwana; ani zvake anoda pfuma haazombogutswi nezvaanowana. Naizvozviwo hazvina maturo.

11. Nokuwanda kunoita pfuma, ndiko kuwanda kunoitawo vanoidya. Uye zvinobatsireiko kumuridzi wayo kunze kwokungogutsa meso ake nayo?

12. Hope dzomushandi dzakanaka, hazvinei kuti adya zvishoma kana zvizhinji, asi kuwanda kwezvinhu zvomupfumi hakumuwanisi hope.

13. Ndakaona chinhu chakaipisisa pasi pezuva:pfuma inounganidzwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo,

14. kana pfuma inorasika nokuda kwechinhu chakaipa chinomuwira, kuti kana abereka mwana mukomana anoshaya chaanomusiyira.

15. Munhu sezvaanobuda mudumbu ramai vake, uye sokuuya kwake, saizvozvowo anoenda. Haana chaanotakura chinobva pabasa rake, chaangaenda nacho muruoko rwake.

16. Ichi zvakare chinhu chakaipa kwazvo:Sokuuya kunoita munhu saizvozvowo anoenda, uye chii chaangawana, iye achishandira mhepo?

17. Pamazuva ake ose anodyira murima, nokudzungaira kukuru, kutambudzika uye nehasha.

18. Ipapo ndakaziva kuti zvakanaka uye zvakafanira kuti munhu adye uye anwe, uye kuti azviwanire kugutsikana mukushanda kwake kwaakabata pasi pezuva pamazuva ake mashoma oupenyu aakapiwa naMwari, nokuti uyu ndiwo mugove wake.

19. Pamusoro pezvo, Mwari paanopa munhu upi zvake mari nezvinhu, uye achiita kuti akwanise kuti afadzwe nazvo kuti agamuchire mugove wake uye kuti afadzwe nebasa rake, ichi chipo chinobva kuna Mwari.

20. Haawanzofunga pamusoro poupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura zvinofadza mwoyo wake.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 5