Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 4:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakatarirazve ndikaona udzvinyiriri hwose hwaiitika pasi pezuva: Ndakaona misodzi yavanodzvinyirirwa, uye havana munyaradzi; simba raiva kudivi ravadzvinyiriri vavo, uye havana munyaradzi.

2. Ndakati vakafa, vakanguri vafa kare, vano mufaro kupfuura vapenyu, vachiri kurarama.

3. Asi ari nani kupfuura vose ndiye uyo asati atombovapo, uyo asati amboona zvakaipa zvinoitwa pasi pezuva.

4. Uye ndakaona kuti kushanda kwose nokuwana kwose kwomunhu kunobva pakuchiva muvakidzani wake. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.

5. Benzi rinopeta maoko aro, rozviparadza.

6. Tsama imwe yorugare inopfuura tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.

7. Zvino ndakaona chinhu chisina maturo pasi pezuva.

8. Kwaiva nomunhu aigara ari oga; akanga asina mwanakomana, kana munun'una. Kushanda kwake kwakanga kusina magumo, kunyange zvakadaro meso ake haana kugutswa nepfuma yake. Akabvunza akati, “Ndinotambudzikira aniko, uye sei ndichizvinyima mafaro?” Naizvozviwo hazvina maturo, basa rokutambura!

9. Vaviri vari nani pano mumwe chete, nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo:

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 4