Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 2:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe, uye nepfuma yamadzimambo uye neyamatunhu. Ndakatsvaka vaimbi, varume navakadzi, uye nezviridzwa, nezvinofadza vanakomana vavanhu, navarongowo vazhinji.

9. Saka ndakava mukuru kwazvo kupfuura ani zvake akanditangira paJerusarema. Mune izvi zvose uchenjeri hwangu hwakaramba huneni.

10. Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu, handina kurambidza mwoyo wangu mufaro. Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose, uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose.

11. Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu uye zvandakatambudzikira kuti ndiwane, zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo; hapana chaibatsira pasi pezuva.

12. Naizvozvo ndakapindura pfungwa dzangu kuti ndicherechedze uchenjeri, noupengowo uye noupenzi. Chii chimwe chingaitwa nomunhu anotevera mumwe paumambo kunze kwezvakatoitwa kare?

13. Ndakaona kuti uchenjeri huri nani pano upenzi, sezvo chiedza chiri nani pane rima.

14. Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make, uku benzi richifamba murima; asi ndakasvika pakuziva kuti vose vanowirwa nedambudziko rimwe chete.

15. Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati,“Magumo ebenzi achandiwanawo neni. Chii zvino chandinowana pakuva munhu akachenjera?” Ndakati mumwoyo mangu, “Izviwo hazvina maturo.”

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 2