Ndakatenga varandarume navarandakadzi, uye ndaiva navamwe varanda vakaberekerwa mumba mangu. Ndaivawo nepfuma zhinji yemombe namakwai, kupfuura ani zvake akanditangira kuvapo paJerusarema.