Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 10:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Uye benzi rinowanza mashoko.Hapana munhu anoziva zvichauya, ndiani angamuudza zvichaitika shure kwake?

15. Basa rebenzi rinomunetesa; haazivi nzira inoenda kuguta.

16. Une nhamo iwe nyika ina mambo ava muranda uye ina machinda anoita mabiko mangwanani.

17. Wakaropafadzwa iwe nyika ina mambo akaberekwa mukukudzwa uye ina machinda anodya panguva yakafanira, kuti vasimbiswe kwete kuti vadhakwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 10