Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 10:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa mafuta akanaka, saizvozvowo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.

2. Mwoyo womunhu akachenjera unosimbira kurudyi, asi mwoyo webenzi unosimbira kuruboshwe.

3. Kunyange richifamba pamugwagwa, benzi rinoshayiwa njere uye rinoratidza vanhu vose upenzi hwaro.

4. Kana kutsamwa kwomubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; unyoro hunonyaradza mhosva huru.

5. Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, kutadza kunobva kuvabati:

6. Mapenzi anoiswa munzvimbo zhinji dzapamusoro, ipapo vapfumi vachitora nzvimbo dzakaderera.

7. Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, ipapo machinda achifamba pasi netsoka savaranda.

8. Ani naani anochera gomba angangowira mariri; ani naani anopwanya naparusvingo angangorumwa nenyoka.

9. Ani naani anopwanya matombo angangokuvadzwa nawo; ani naani anotsemura matanda angangozviisa panjodzi nawo.

10. Kana demo rakagomara uye rikasarodzwa, panodiwa simba rakawanda, asi unyanzvi hunouyisa kubudirira.

11. Kana nyoka ikaruma isati yabviswa uturu, murapi haachabatsiri.

12. Mashoko anobva mumuromo momunhu akachenjera ane unyoro, asi benzi rinomedzwa nomuromo waro.

13. Kutanga kwamashoko ake upenzi; nokuguma kwokutaura kwake mupengo wakashata.

14. Uye benzi rinowanza mashoko.Hapana munhu anoziva zvichauya, ndiani angamuudza zvichaitika shure kwake?

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 10